Tsamba Kuna Baba Ngoni (In Native Shona Language)

ADVERT HERE

Makadiiko Nyati? Kwakadiiko ikoko ku Johannesburg?


Tapiwa Zuze

Wakandishamisa netsamba yawakapedzisira kunyora. Pane kuti ubvunze kuti mwana ari kukura here; chokwadi ndipo paungabvunze kuti sei ndakamuzvara muna December iwe wakaenda muna January? Aaah neniwo nyaya iyoyo yakatondinetsano zvekuti ndakatozoenda kuchipatara kunobvunzawo ma nurse. Saka vakazonditi aiwa ndisatye ndizvo zvinoita munhu anenge ashandisa tsvina yenzou pamasuwo, nhumbu yacho inotozokwana pa 12 months sezvinoitawo yenzou.

Asi manga maakutotya kuti pamwe hameno zvandakaita? Aiwa vaitoti ndaita lucky nekuti vamwe vanotoita 13 to 14 months chaidzo.

Ko iye muninina wako Shepherd ngaandinetse achiti mwana ndewake? Aaah ndakati haasi mashura here aya. Aaah kutoda kuenda nemwana ku paternity test mufunge. Ukauya unetsane naye akandibhowa zvekuti.

Handiti makasiya bill remagetsi rakura? Aaah vakatozouya veZESA vachida kuvhara magetsi ndikamira mira. Apa murume wacho weZESA aitoda kurara neni iwe. Apa mwana anga achiri mucheche, kuti arare futi murima zvaisaita, saka ndakabva ndashayawo zvekuita murume wangu. Asi handina hangu kuzobvuma, ndakaramba. But haana kuzodzima hake anzwa tsitsi nemucheche zvekuti ari kutouya everyday achizoona kuti mwana ari kukura here? Ndati ungazonzwa nevemakuhwa kuti pamba parikugara paine mota yeZESA ukafunga zvimwe. Aiwa anonzwisisa zvekuti murume iyeye akatozopedzisira atiisira pre-paid meter ufunge hako kubata kwaMwari.

Iiii iye Ngoni akambopisa muviri zvakandityisa last month, zvekuti ndakatozonodaidza Pastor vaye vekachurch kanyowani kemubani umu. Aiwa munhu waMwari akanamata, akatoita 2 weeks achiuya kuzoita all-night prayer yekuti mwana apore. Aaah iyezvino chaakutotamba hacho ichi.

Ndakakuudza here kuti shamwari yako yakaburitsirwa zvinhu panze na Landlord atadza kubhadhara? Ndikamuti aise zvinhu zvake kwasekuru vake but pekurara ndakamuti anopota achiuya hake kuzowarira pasi since mubedroom muine space. Saka ndozvaarikuita kusvika awana imba hake. Iiiii anorarisa mazuva ese ndinotozoita wekumutsa anonoka kubasa.

Ko ndaimboziva kuti muzukuru wako Fadzi anoshanda paPharmacy paMachipisa. Ndakatozovhunduka aakunditi aaah ambuya murikutenga pregnancy test kuti munoidii? Ndikati yohwe! Apa ndaida kutenga paracetamol yemwana mufunge. Akanga aakutoda kundibatsira kuichinja but ndakazongomuti achirega kuzvinetsa hake, nekuti zvinenge zvambopinda muma computer zvinonetsa kudzima; plus ndakange ndatotsenga receipt futi.

Kana muchiuya pa Easter mondiudzawo in time kwete kuzoita zvamakaita muchibva kuBotswana zvekungoerekana masvika, ndinenge ndichida kukugadziriraiwoka nhai Nyati.

Saka rakadii haro basa ikoko? Plumbing yacho yakafanana neyekuno here? Mwana usatye hako, chirikukura, but hey iko kutsvuka. Aaah regai bamunni Shepherd vaizondinetsa vachiti ndewavo sure. Asi kufanana newe here? Aiwa makafanana kunyanya nzara neguvhu. Aaah kuita iwe chaiye.

Kukusuwa chete murume wangu, ndicharamba ndakangozvibata kusvika wauya.

Wako

Mai Ngoni

Aaah, mwana akatumidzwa na bamunini Shepherd zita. Anzi mupei zita rababa vake vagofara pavanouya nhai kkkkkkk.


Adopted and edited by:


Tapiwa Zuze – www.tapiwazuze.com
ADVERT HERE

No comments

Contact Form

Name

Email *

Message *